Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 66

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
2Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!
3Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu.
4Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera
5Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.
7Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
8Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
9iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
10Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.
11Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
12Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.
13Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
14mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
15Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondobwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
16Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; ndikuudzei zvaakandiitira.
17Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
18Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;
19asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
20Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.