1Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera
2kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.
3Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
4Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera
5Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
6Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.
7Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.