Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 65

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.
2Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri.
3Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu.
4Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene.
5Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi Mwari Muponesi wedu, tariro yemigumo yepasi pose namakungwa ari kure kure,
6iyemi makaumba makomo nesimba renyu, makazvishongedza nesimba,
7iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi.
8Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro.
9Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.
10Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo.
11Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.
12Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.
13Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.