Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 76

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri.
2Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni.
3Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera
4Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka.
5Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi angasimudza maoko ake.
6Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.
7Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?
8Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara,
9haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera
10Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.
11Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa; nyika dzose dzakakupoteredzai ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.
12Anoputsa mweya yavatongi; anotyiwa namadzimambo enyika.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.