Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 75

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
2Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama.
3Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera
4Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.
5Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”
6Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.
7Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.
8Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
9Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.
10Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.