Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 47

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.
2Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!
3Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu.
4Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera
5Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.
6Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.
7Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza.
8Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.
9Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.