Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 46

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.
2Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa,
3kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera
4Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro.
5Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.
6Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.
7Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
8Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.
9Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.
10“Mirai, muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”
11Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.