Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 30

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.
2Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
3Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.
4Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene.
5Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.
6Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”
7Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka.
8Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,
9“Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here?
10Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”
11Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,
12kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.