Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 29

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.
2Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
3Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.
4Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa.
5Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.
6Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati.
7Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni.
8Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.
9Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”
10Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.
11Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.