Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 138

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”
2Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.
3Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba.
4Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.
5Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
6Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, asi vanozvikudza anovaziva vari kure.
7Kunyange ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu hwangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.
8Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni; rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi, musasiya mabasa amaoko enyu.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.