Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 137

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni.
2Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu,
3nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”
4Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe?
5Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.
6Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu, kana ndikasakurangarira iwe, kana ndisingafungi Jerusarema, iwo mufaro wangu wapamusoro-soro.
7Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu, pazuva rakawa Jerusarema. Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei kusvikira panheyo dzaro!”
8Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa, achafara munhu uyo achatsiva kwauri zvawakaita kwatiri,
9iye achatora pwere dzako agodzirovera pamatombo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.