Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 126

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota.
2Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”
3Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro.
4Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi.
5Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro.
6Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.