Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 125

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.
2Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi.
3Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa.
4Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama.
5Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. Rugare ngaruve pana Israeri.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.