Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Jobho 8

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2“Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
3Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?
4Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo.
5Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
6kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
7Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira.
8“Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
9nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
10Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
11Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
12Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
13Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
14Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
15Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.
16Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;
17unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.
18Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’
19Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.
20“Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
21Achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.
22Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa, uye matende avakaipa haachazovapozve.”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.