Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Jobho 7

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1“Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here?
2Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana, kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake,
3saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.
4Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.
5Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda, ganda rangu rakatsemuka uye raora.
6“Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.
7Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema; meso angu haachazoonizve mufaro.
8Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.
9Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve.
10Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.
11“Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,
12Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?
13Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza, uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,
14ipapo munondityisidzira nezviroto uye munondivhundutsa nezviratidzo,
15zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.
16Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.
17“Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai, zvamunomurangarira zvakadai,
18zvamunomunzvera mangwanani ose uye muchimuedza nguva dzose?
19Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?
20Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?
21Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu uye musingandiregereri zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.