Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Zekaria 5

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ndakatarisazve ndikaona, hapo pamberi pangu paiva norugwaro rwakapetwa rwaibhururuka!
2Akandibvunza akati, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi maviri nokufara makubhiti gumi .”
3Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune rimwe divi racho, mumwe nomumwe anopika zvenhema achaparadzwa.
4Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichabudisa kutuka, uye kuchapinda muimba yembavha nomumba mouyo anopika nhema nezita rangu. Kucharamba kuri mumba make uye kuchaparadza zvose mapango namabwe ayo.’ ”
5Ipapo mutumwa akanga achitaura neni akaswedera kwandiri akati, “Simudza meso ako uone kuti ichi chii chiri kubuda apo.”
6Ndakabvunza ndikati, “Chiiko?” Akapindura akati, “Iri idengu rokuyeresa.” Uye akatizve, “Ichi ndicho chitadzo chavanhu vari munyika yose.”
7Ipapo hwidibiro yomutobvu yakasimudzwa, uye mukadzi akanga akagara mudengu imomo!
8Mutumwa akati, “Uyu ndiye zvakaipa,” achibva amusundidzira zvakare mudengu uye ndokuzarira muromo wedengu nehwidibiro yomutobvu.
9Ipapo ndakasimudza meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva navakadzi vaviri, mhepo iri mumapapiro avo! Vaiva namapapiro anenge mapapiro edambiramurove, uye vakasimudza dengu vakaenda naro mudenga pakati pedenga nenyika.
10Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Vari kuriendesa kupiko, dengu?”
11Akapindura akati, “Kunyika yeBhabhironi kundorivakira imba. Kana yapera, dengu richaiswa imomo panzvimbo yaro.”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.