Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Tito 1

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari,
2kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo,
3panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu,
4kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu.
5Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira.
6Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri.
7Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa.
8Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata.
9Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa.
10Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa.
11Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa.
12Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.”
13Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda
14uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi.
15Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora.
16Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.