Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 97

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare.
2Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
3Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.
4Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.
5Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.
6Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.
7Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose!
8Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
9Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose; makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.
10Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa.
11Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama, nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.
12Farai muna Jehovha, imi vakarurama, uye mukudze zita rake dzvene.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.