Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 83

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.
2Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo.
3Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.
4Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”
5Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,
6matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,
7Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.
8Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera
9Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,
10ivo vakafira paEndori uye vakava sendove pamusoro pevhu.
11Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi, machinda avo ose saZebha naZarumuna,
12ivo vakati, “Handei tindotora mafuro aMwari.”
13Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo.
14Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo,
15saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.
16Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.
17Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.
18Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.