Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 73

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo.
2Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika.
3Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa.
4Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba.
5Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.
6Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba.
7Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.
8Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.
9Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.
10Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.
11Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”
12Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.
13Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.
14Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.
15Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.
16Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo
17kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.
18Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.
19Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!
20Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.
21Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika,
22ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.
23Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi.
24Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.
25Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.
26Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
27Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.
28Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.