1Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni, nokuti mweya wangu unovanda mamuri. Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, kusvikira njodzi yapfuura.
2Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro, kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.
3Anotuma kubva kudenga agondiponesa, achituka vaya vanondidzingirira nehasha; Sera Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.
4Ndiri pakati peshumba; ndinovata pakati pemhuka dzinokara, ivo vanhu vane meno amapfumo nemiseve, vane ndimi dzinopinza seminondo.
5Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Sera
6Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene. Sera
7Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.
8Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza.
9Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi; ndichakuimbirai pakati pamarudzi.
10Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga; kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.
11Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.