Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 52

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?
2Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera.
3Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera
4Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera!
5Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera
6Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti,
7“Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!”
8Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri.
9Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.