Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 32

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.
2Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.
3Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.
4Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera
5Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
6Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwavari.
7Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera
8Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.
9Rega kuva sebhiza kana senyurusi, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.
10Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye.
11Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama; imbai, imi mose makarurama pamwoyo!
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.