Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 24

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;
2nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
3Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
4Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.
5Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
6Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera
7Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muisimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
8Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.
9Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
10Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya. Sera
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.