Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 15

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?
2Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
3uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye,
4anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza,
5anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.