Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 149

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene.
2Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.
3Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.
4Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.
5Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.
6Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,
7kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu,
8vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare,
9kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.