Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 146

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.
2Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
3Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.
4Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.
5Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,
6Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi.
7Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.
8Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama.
9Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.
10Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose. Rumbidza Jehovha.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.