Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 120

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura.
2Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera.
3Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?
4Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara.
5Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!
6Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare.
7Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.