Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

MAPISAREMA 12

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu.
2Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.
3Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza
4ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”
5“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”
6Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe.
7Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.
8Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.