Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Zvirevo 2

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri,
2ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,
3uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
4uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,
5ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.
6Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
7Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
8nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.
9Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
10Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.
11Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.
12Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,
13vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,
14vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,
15vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.
16Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,
17uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.
18Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.
19Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu.
20Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.
21Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;
22asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.