Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Nehemia 1

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Mashoko aNehemia mwanakomana waHakaria: Mumwedzi waKisirevhi mugore ramakumi maviri, pandainge ndiri panhare yeSusa,
2Hanani, mumwe wehama dzangu, akauya achibva kuJudha navamwe varume, ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakasara avo vakapunyuka pakutapwa, uyewo napamusoro peJerusarema.
3Vakati kwandiri, “Avo vakapunyuka pakutapwa uye vakadzokera kudunhu vari mudambudziko guru napakunyadziswa. Rusvingo rweJerusarema rwakakoromorwa, uye masuo arwo akapiswa nomoto.”
4Pandakanzwa zvinhu izvi, ndakagara pasi ndikachema. Ndakaita mazuva ndichichema, ndichinyengetera uye ndichitsanya pamberi paMwari wokudenga.
5Ipapo ndakati: “Haiwa Jehovha, Mwari wokudenga, Mwari mukuru uye anotyisa anochengeta sungano yake yorudo naavo vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake,
6nzeve yenyu ngaiteerere uye meso enyu asvinure kuti munzwe munyengetero womuranda wenyu wandinonyengetera pamberi penyu masikati nousiku nokuda kwavaranda venyu, vanhu veIsraeri.
7Takaita zvakaipa kwazvo pamberi penyu. Hatina kuteerera zvamakarayira, mitemo yenyu nemirayiro yamakapa Mozisi muranda wenyu.
8“Rangarirai zvamakarayira muranda wenyu Mozisi, muchiti, ‘Kana musina kutendeka, ndichakuparadzirai pakati pendudzi,
9asi kana mukadzokera kwandiri uye mukateerera zvandakarayira, ipapo kunyange kana vakatapwa vavanhu venyu vari kumagumo edenga, ndichavaunganidza vabveko ndigovauyisa kunzvimbo yandakasarudza kuti ive ugaro hweZita rangu.’
10“Varanda venyu nevanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru uye noruoko rwenyu rune simba.
11Haiwa Jehovha, nzeve yenyu ngainzwe munyengetero womuranda wenyu uyu nomunyengetero wavaranda venyu vanofarira kukudza zita renyu. Itai kuti muranda wenyu abudirire nhasi uye mumupe nyasha pamberi pomurume uyu.” Ndakanga ndiri mudiri wamambo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.