Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Mika 5

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri netsvimbo padama.
2“Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.”
3Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara uye hama dzake dzose dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.
4Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.
5Uye iye achava rugare rwavo. MuAsiria paacharwisa nyika yedu agofamba achipfuura nomunhare dzedu, tichamumutsira vafudzi vanomwe kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.
6Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu.
7Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi akawanda, sedova rinobva kuna Jehovha, sokunaya kwemvura pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugaririra vanhu.
8Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi, pakati poruzhinji rwamarudzi, seshumba pakati pezvikara zvesango, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inotsika uye inobvambura ichienda, pasina anogona kununura.
9Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.
10“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu.
11Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.
12Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki.
13Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu.
14Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu.
15Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.