Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Mika 1

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.
2Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose, teerera, iwe nyika navose vari mauri, kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva, Jehovha ari mutemberi yake tsvene.
3Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yaanogara: anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4Makomo achanyongodeka pasi pake uye mipata ichapamuka, senamo pamoto, semvura inoyerera pamawere.
5Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Hakuzi Samaria here? Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko? Haizi Jerusarema here?
6“Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe, nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.
7Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu; zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto; ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose. Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve, semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”
8Nokuda kwaizvozvo ndichachema uye ndigoungudza; ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka. Ndichaungudza segava uye ndichachema sezizi.
9Nokuti ronda rake harirapiki; rasvika kuna Judha. Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo, kunyange kuJerusarema chaiko.
10Musazvireva paGati; musambochema. MuBheti Ofira umburukai muguruva.
11Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.
12Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru vakamirira kudzikinurwa, nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha, kunyange pasuo reJerusarema.
13Imi vanogara muRakishi, sungai mabhiza enyu pangoro. Ndimi makava mavambo echivi kuMwanasikana weZioni, Nokuti kudarika kwaIsraeri kwakawanikwa mamuri.
14Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana kuna Moresheti Gati. Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri kumadzimambo aIsraeri.
15Ndichauyisa mukundi kwauri iwe unogara muMaresha. Iye anova kubwinya kwaIsraeri achauya kuAdhuramu.
16Veurai misoro yenyu mukuchema nokuda kwavana vamunofarira; zviitei musvuu sowegora, nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.