Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Joshua 14

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Zvino idzi ndidzo nzvimbo dzakagamuchirwa navana vaIsraeri senhaka munyika yeKenani, dzavakagoverwa nomuprista Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri.
2Nhaka yavo yakagoverwa nemijenya kumarudzi mapfumbamwe nehafu yamarudzi, sezvakanga zvaraiyirwa naJehovha kuna Mozisi.
3Mozisi akanga apa marudzi maviri ane hafu nhaka yawo kumabvazuva kweJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo,
4nokuti vana vaJosefa vakanga vava marudzi maviri, rwaManase norwaEfuremu. VaRevhi havana kuwana mugove wenyika asi maguta okugara, namafuro amakwai avo nemombe dzavo.
5Naizvozvo vana vaIsraeri vakakamura-kamura nyika, sezvazvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
6Zvino vanhu veJudha vakaenda kuna Joshua paGirigari, uye Karebhu, mwanakomana waJefune muKenizi, akati kwaari, “Imi munoziva zvakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu nemi, paKadheshi Bharinea.
7Ndakanga ndava namakore makumi mana pandakatumwa naMozisi muranda waJehovha, paKadheshi Bharinea kundosora nyika, uye ndakadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini,
8asi hama dzangu dzakanga dzakwidza neni dzakaodza mwoyo yavanhu, nokutya. Kunyange zvakadaro ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose.
9Saka pazuva iro Mozisi akapika kwandiri akati, ‘Nyika yose yauchafamba pairi netsoka dzako, ichava nhaka yako, navana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’
10“Zvino ipapo, sokuvimbiswa kwakaitwa naJehovha, akandiraramisa kwamakore makumi mana namashanu, kubva panguva yaakataura izvi kuna Mozisi, vaIsraeri pavaidzungaira murenje. Naizvozvo nhasi ndiri pano, ndava namakore makumi masere namashanu!
11Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare.
12Zvino chindipa nyika iyo yamakomo, yandakavimbiswa naJehovha musi iwoyo. Iwe pachako wakanzwa kare kuti vaAnaki vakanga varipo uye kuti maguta avo akanga ari makuru uye akakomberedzwa, asi Jehovha achindibatsira, ndichavadzinga sezvaakataura.”
13Ipapo Joshua akaropafadza Karebhu, mwanakomana waJefune akamupa Hebhuroni senhaka yake.
14Naizvozvo Hebhuroni yakava nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi kubvira ipapo, nokuti akatevera Jehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose.
15(Hebhuroni yaimbonzi Kiriati Abha ichibva pana Abha akanga ano mukurumbira pakati pavaAnaki vose.) Ipapo nyika yakazorora pakurwa hondo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.