Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Jobho 35

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ipapo Erihu akati:
2“Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’
3Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’
4“Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo.
5Tarira kumatenga uone; nanʼanidza makore ari pamusoro pako.
6Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?
7Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?
8Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.
9“Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.
10Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku,
11anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’
12Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.
13Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo; Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.
14Ndoda, zvino, haangateereri kana uchiti hausi kumuona, mhaka yako iri pamberi pake zvokuti unofanira kumumirira,
15uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi, uye haana hanya zvake nezvakaipa.
16Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo; anowanza mashoko ake asina zivo.”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.