Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Jobho 18

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2“Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.
3Tinobatirweiko semombe uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?
4Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako, nyika ingasiyiwa nokuda kwako here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?
5“Mwenje weakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.
6Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi pake unodzima.
7Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.
8Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo.
9Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa.
10Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake.
11Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.
12Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa.
13Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.
14Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.
15Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.
16Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro.
17Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika.
18Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika.
19Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara.
20Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.
21Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.