Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Jeremia 21

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikiya, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya. Vakati,
2“Dotibvunzirawo kuna Jehovha iye zvino nokuti Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha angatiitira zvishamiso sepanguva dzakapfuura kuitira kuti uyu abve kwatiri.”
3Asi Jeremia akavapindura achiti, “Udzai Zedhekia kuti,
4‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino.
5Ini ndimene ndicharwa newe noruoko rwakatambanudzwa noruoko rune simba mukutsamwa neshungu nehasha huru.
6Ndicharova vanogara muguta rino, zvose vanhu nezvipfuwo, uye zvichafa nedenda rakaipisisa.
7Shure kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichaisa Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake navanhu vari muguta rino vanopunyuka padenda, napamunondo, nepanzara, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Achavaisa kumunondo; haangavanzwiri urombo, kana ngoni, kana tsitsi.’
8“Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu.
9Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake.
10Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’
11“Pamusoro paizvozvo, uti kuimba youshe yaJudha, ‘Inzwai shoko raJehovha,
12imi imba yaDhavhidhi. Zvanzi naJehovha: “ ‘Tongai nokururamisira mangwanani ari ose, nunurai akabirwa, kubva muruoko rwomudzvinyiriri wake, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda kukakupisai somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, kuchipfuta pasina angakudzima.
13Ndine mhosva newe, Jerusarema, iwe ugere pamusoro pomupata uno pamutunhu wematombo, ndizvo zvinotaura Jehovha, iyemi munoti, “Ndiani angatirwisa? Ndiani angapinda pautiziro hwedu?”
14Ndichakurovai sezvakafanira mabasa enyu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichabatidza moto mumasango enyu uchapisa zvose zvakakupoteredzai.’ ”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.