Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Isaya 56

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Zvanzi naJehovha: “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.
2Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”
3Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.”
4Nokuti zvanzi naJehovha: “Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu,
5kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
6Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,
7ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
8Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”
9Uyai, imi mose zvikara zvesango, uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!
10Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata.
11Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.
12Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini! Regai tinwe tigute nedoro! Uye mangwana achafanana nanhasi, kana kutopfuura.”
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.