Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Isaya 27

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Pazuva iro, Jehovha acharanga nomunondo wake, iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa, Revhiatani nyoka inokurumidza, Revhiatani nyoka inogonyana; achauraya chikara chomugungwa.
2Pazuva iro, “Imbai nezvomuzambiringa unobereka:
3Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa.
4Handina kutsamwa. Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa neni! Ndaienda kundorwa nazvo; ndaizvipisa zvose nomoto.
5Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri; ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.”
6Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi, Israeri achabukira uye achatunga maruva, agozadza nyika yose nomuchero,
7Ko, Jehovha akamurova here sezvaanorova avo vakamurova? Akaurayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya?
8Muhondo makarwa naye mukamudzinga, nokurwisa kwake kunotyisa akamudzinga, sezvinoitika pazuva rinovhuvhuta mhepo yokumabvazuva.
9Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa, uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake: Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswa-putswa, hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuhwira zvichasiyiwa zvakamira.
10Guta rakakomberedzwa norusvingo rasiyiwa rava dongo, hwava ugaro hwakasiyiwa, kufanana nerenje; mhuru dzofura ikoko, uye ikoko ndiko kwadzinovata; dzinosiya matavi asisina chinhu.
11Panooma matavi acho, anovhuniwa, uye vakadzi vanouya vovesa moto nawo. Nokuti vanhu ava havana njere; nokudaro Muiti wavo haachina tsitsi pamusoro pavo, uye Musiki wavo haangavaitiri nyasha.
12Pazuva iro Jehovha achapura kubva panoyerera Yufuratesi kusvikira paRukova rweIjipiti, uye imi vaIsraeri, muchaunganidzwa muchiita mumwe mumwe.
13Uye pazuva iro hwamanda huru icharira. Vakanga vofira muAsiria uye navaya vakanga vatizira kuIjipiti vachauya kuzonamata Jehovha pamusoro pegomo dzvene riri muJerusarema.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.