Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

VaHebheru 1

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
2asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.
3Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
4Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?”
6Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7Achitaura pamusoro pavatumwa anoti, “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.”
8Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
9Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
10Anotizve, “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
11Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo.
12Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatozogumi.”
13Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari: “Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?”
14Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.