Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Genesisi 20

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Zvino Abhurahama akabvapo akapinda mudunhu rokuNegevhi akandogara pakati peKadheshi neShuri. Akagara muGerari kwechinguva,
2uye ikoko Abhurahama akati nezvomukadzi wake Sara, “Ihanzvadzi yangu.” Ipapo Abhimereki mambo weGerari akatuma vanhu kuti vandotora Sara.
3Asi Mwari akauya kuna Abhimereki usiku mukurota uye akati kwaari, “Wakangoita somunhu akafa nokuda kwomukadzi wawatora; mukadzi womunhu.”
4Zvino Abhimereki akanga asati aswedera kwaari, saka akati, “Ishe, muchaparadza rudzi rusina mhosva here?
5Ko, iye haana kuti kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu’ here, naiyewo mukadzi haana kuti kwandiri ‘Ihanzvadzi yangu’ here? Ndakaita izvi nehana yakachena uye namaoko akachena.”
6Ipapo Mwari akati kwaari mukurota, “Hongu, ndinozviziva kuti wakaita izvi nehana yakachena, nokudaro ndakukonesa kuti unditadzire. Ndokusaka ndisina kukutendera kuti umubate.
7Zvino chidzosera mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita, uye achakunyengeterera urarame. Asi kana usina kumudzosa, uzive kuti iwe navose vari vako muchafa.”
8Mangwanani akatevera Abhimereki akadana varanda vake vose, uye paakavaudza zvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo.
9Ipapo Abhimereki akadana Abhurahama kuti apinde akati, “Waiteiko kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita seiko zvawauyisa mhosva huru yakadai pamusoro pangu napamusoro poumambo hwangu? Wandiitira zvinhu zvisingafaniri kuitwa.”
10Uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Wakaoneiko chakaita kuti uite izvi?”
11Abhurahama akapindura akati, “Ndakati mumwoyo mangu, ‘Zvirokwazvo munzvimbo ino hamuna kutya Mwari, uye vachandiuraya nokuda kwomukadzi wangu.’
12Zvisinei hazvo, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mwanasikana wababa vangu kunyange hazvo asina kuberekwa namai vangu; uye akazova hake mukadzi wangu.
13Uye Mwari paakandiita kuti ndifambe kubva paimba yababa vangu, ndakati kwaari, ‘Izvi ndizvo zvaungandiratidza nazvo madiro aunondiita: Kwose kwatinoenda, utaure pamusoro pangu uchiti, “Ihanzvadzi yangu.” ’ ”
14Ipapo Abhimereki akauya namakwai nemombe uye navarandarume navarandakadzi akavapa kuna Abhurahama, uye akadzosa Sara mukadzi wake.
15Uye Abhimereki akati, “Nyika yangu iri pamberi pako; gara paunoda.”
16Kuna Sara akati, “Ndiri kupa hanzvadzi yako mashekeri chiuru esirivha. Ichi ndicho chichava chifukidzo pamusoro pemhosva yandakaita kwauri pamberi pavose vaunavo; waruramiswa kwazvo.”
17Ipapo Abhurahama akanyengetera kuna Mwari, uye Mwari akaporesa Abhimereki, mukadzi wake uye navarandakadzi vake kuti vakwanise kuita vana zvakare,
18nokuti Jehovha akanga azarira zvizvaro zvavo zvose muimba yaAbhimereki nokuda kwaSara mukadzi waAbhurahama.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.