Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Muparidzi 4

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi.
2Ndakati vakafa, vakanguri vafa kare, vano mufaro kupfuura vapenyu, vachiri kurarama.
3Asi ari nani kupfuura vose ndiye uyo asati atombovapo, uyo asati amboona zvakaipa zvinoitwa pasi pezuva.
4Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
5Benzi rinopeta maoko aro, rozviparadza.
6Tsama imwe yorugare inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.
7Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva.
8Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana mununʼuna. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura!
9Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:
10Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza!
11Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa. Asi mumwe chete angadziyirwa sei?
12Munhu mumwe chete angakurirwa simba, asi vaviri vanozvidzivirira. Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
13Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana ari benzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro.
14Jaya ringava rakabva mutorongo rikazova mambo, kana angava akaberekwa ari muurombo, muushe hwokwake.
15Ndakaona kuti vose vapenyu vakafamba pasi pezuva vakatevera jaya, rakazotevera panzvimbo yamambo.
16Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakanga achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.