Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

Muparidzi 11

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji, nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.
2Govera vanomwe, kunyange navaserewo; nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.
3Kana makore azara nemvura anonayisa mvura panyika. Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro, panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.
4Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi.
5Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose.
6Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.
7Chiedza chakanaka, uye zvinofadza meso kuona zuva.
8Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji, ngaafadzwe nawo ose. Asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji. Zvose zvichazouya hazvina maturo.
9Fara zvako jaya, pauduku hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako. Tevera nzira dzomwoyo wako, nezvose zvingaonekwe nameso ako, asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi Mwari achakusvitsa pakutongwa.
10Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako, nokuti uduku nesimba hazvina maturo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.