Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

2 VaTesaronika 1

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:
2Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu.
3Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.
4Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.
5Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira.
6Mwari anoruramisira: Achatsiva nokutambudza avo vanokutambudzai,
7uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba.
8Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.
9Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake,
10pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.
11Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka nebasa rose rakamutswa nokutenda kwenyu.
12Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.