Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

2 Madzimambo 12

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Mugore rechinomwe raJehu, Joashi akava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Zita ramai vake rainzi Zibhia; vaibva kuBheerishebha.
2Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha pamakore ose aakadzidziswa naJehoyadha muprista.
3Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro uye vachipisira zvinonhuhwira ikoko.
4Joashi akati kuvaprista, “Unganidzai mari yose inouyiswa sezvipiriso zvakatsaurwa kutemberi yaJehovha, mari inounganidzwa, pakuverengwa kwavanhu, mari inogamuchirwa iri yemhiko, nemari inouyiswa kutemberi vanhu vachida havo.
5Vaprista vose ngavagamuchire mari kubva kuno mumwe wavachengeti vehomwe yemari, uye ngaishandiswe kugadzira pose pavanowana pakaputsika mutemberi.”
6Asi mugore ramakumi maviri namatatu raMambo Joashi vaprista vakanga vachigere kugadzira temberi.
7Naizvozvo Mambo Joashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista akavabvunza akati, “Seiko musingagadziri pakaputsika mutemberi? Chiregai kutora imwe mari zvakare kubva kuvabati vehomwe, asi muibudise kuti iite basa rokugadzira temberi.”
8Vaprista vakabvuma kuti havaizounganidzazve mari kubva kuvanhu uye kuti havaizogadzira temberi ivo pachavo.
9Muprista Jehoyadha akatora bhokisi akaboora buri pachidzivo charo. Akarigadzika parutivi pearitari, kurudyi kana munhu achipinda mutemberi yaJehovha. Vaprista vairinda mukova vakaisa mubhokisi mari yose yakauyiswa kutemberi yaJehovha.
10Pose pavaiona kuti mari yakanga yawanda mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru, vaiverenga mari yainge yauyiswa mutemberi yaJehovha voiisa muzvihomwe.
11Vaiti kana vaona kuti yava marii, vaizoipa kuvarume vakanga vagadzwa kuti vave vatariri vebasa retemberi. Mari iyi yaizoripira vakanga vachishanda patemberi yaJehovha, vavezi navavaki,
12navaironga uye navavezi vamatombo. Vakatenga matanda namatombo akavezwa okugadzirisa temberi yaJehovha, uye vakaripira zvose zvaidiwa pakugadziridza temberi.
13Mari yaiuyiswa mutemberi haina kushandiswa pakugadzira madhishi esirivha, mbato dzemwenje, nemikombe, nehwamanda kana zvimwe zvipi zvazvo zvegoridhe kana sirivha zvetemberi yaJehovha.
14Yakaripirwa kuvarume vaishanda, ivo vakaishandisa kugadzira temberi.
15Havana kubvunza mashandisirwo ayo kuna avo vavakapa mari kuti varipire vashandi, nokuti vakashanda vakatendeka zvakakwana.
16Mari yaibva kuzvipiriso zvemhosva nezvipiriso zvechivi haina kuuyiswa mutemberi yaJehovha; yakanga iri yavaprista.
17Panguva yakaita saiyoyi Hazaeri mambo weAramu akaenda akandorwisa Gati akaripamba. Ipapo akadzokera kundorwisa Jerusarema.
18Asi Joashi mambo weJudha akatora zvinhu zvose zvitsvene zvakatsaurwa zvakanga zvakumikidzwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu naAhazia madzimambo eJudha, zvipo zvaakanga akumikidza iye negoridhe rose rakawanikwa mumatura etemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, akazvitumira kuna Hazaeri mambo weAramu, iye akabva muJerusarema.
19Zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
20Vabati vake vakaita rangano yokumumukira vakamuuraya paBheti Miro, panzira yaienda kuSira.
21Vabati vakamuuraya vakanga vari vanaJozabhadhi mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri. Akafa akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.