Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

1 VaTesaronika 1

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi.
2Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu.
3Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.
4Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai,
5nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu.
6Makava vateveri vedu uye nevaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene.
7Nokudaro makava muenzaniso kuvatendi vose vari muMasedhonia neAkaya.
8Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo,
9nokuti ivo pachavo vanozivisa kuti takagamuchirwa sei navo. Vanotaura kuti makadzokera sei kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
10uye kuti mumirire Mwanakomana wake anobva kudenga, uyo waakamutsa kubva kuvakafa, Jesu, anotinunura kubva pakutsamwa kuchauya.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.