Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

1 Makoronike 20

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Munguva yechirimo, panguva iyo madzimambo anoenda kuhondo, Joabhu, akatungamirira mauto akashonga zvombo zvokurwa. Akaparadza nyika yavaAmoni akaenda kuRabha akandorikomba, asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Joabhu akarwisa Rabha akarisiya raparara.
2Dhavhidhi akatora korona kubva pamusoro wamambo wavo, uremu hwayo hwakaonekwa kuti hwaiva tarenda regoridhe uye yakanga ina mabwe anokosha uye yakaiswa pamusoro paDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo muguta iri
3uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavatongera kuti vashande namajeko namapiki namatemo. Dhavhidhi akaita saizvozvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yake yose akadzokera kuJerusarema.
4Nokufamba kwenguva, hondo yakatanga navaFiristia paGezeri. Panguva iyoyi Sibhekai muHushati akauraya Sipai, mumwe wezvizvarwa zvavaRefa, vaFiristia vakakundwa.
5Mune kumwe kurwisana navaFiristia, Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami mununʼuna waGoriati muGiti, aiva nepfumo raiva nomubato wakafanana nedanda romuruki.
6Mune kumwe kurwisana zvakare, kwakaitika paGati paiva nomumwe murume mukuru kwazvo aiva neminwe mitanhatu muruoko rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu kugumbo rimwe nerimwe, zvose pamwe chete zvaiva makumi maviri nezvina. Aivawo worudzi rwaRafa.
7Paakatuka Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi akamuuraya.
8Izvi ndizvo zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.