Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi (SNABIB2017)

1 Makoronike 14

Read Scripture freely. Divine Threads study for this chapter is coming later.

1Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo.
2Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri.
3MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji.
4Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni,
5Ibhari, Erishua, Eripereti,
6Noga, Nefegi, Jafia,
7Erishama, Bheeriyadha naErifereti.
8VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo.
9Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi;
10saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”
11Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kuBhaari Perazimu uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimu.
12VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto.
13VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya.
14Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu.
15Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.”
16Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri.
17Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.
Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi — Open Shona Contemporary Bible
Original Scripture copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. The original work by Biblica, Inc. is available free at biblica.com andopen.bible. Scripture is licensed under CC BY-SA 4.0. Original edition and full publisher copyright notice: ebible.org/sna/copyright.htm. Source USFM was adapted to searchable verse rows; chapter headings, footnote markup and inline typographical markers are not reproduced in this reader. Scripture wording is preserved; adaptations of Scripture remain CC BY-SA 4.0. No Biblica endorsement is implied. Divine Threads study content is independently authored.